Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kutevedzera Zviri Kutaurwa neNyanzvi dzeChirwere cheCoronavirus


Zoom logo is seen in front of diplayed coronavirus disease (COVID-19)
Zoom logo is seen in front of diplayed coronavirus disease (COVID-19)

Apo chirwere cheCoronavirus chiri kuramba chichiuraya vanhu pasi rose, pave nemashoko akasiyana siyana ari kutaurwa pamusoro pechirwere ichi pamadandemutande pamwe nemuzvitendero izvo zvinogona kukanganisa kurwisa chirwere ichi.

Apo chirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19 chiri kuramba chichitekeshera pasi rose pane mashoko akawanda ari kutaurwa pamusoro pechirwere ichi kunyanya paindaneti vamwe vachiti chirwere ichi chakagadzirwa nevamwe vanhu vari kuda kuvhiringidza mararamiro evanhu pasi rose nenzira yekuda kuita mari.

Vamwe vakuru vakuru vemamwe machechi munyika vari kubudawo vachitaura zvavanoti zvinobva kuna Mwari pamusoro pechirwere ichi.

Mukuru wesangano reWomen Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Amai Alice Maqatha, ndemumwe weavo vane maonero ekuti mashoko akadai anogona kuvhiringidza kurwisa chirwere cheCoronavirus.

Mukuru werimwe remasangano anomiririra vagari muguta reGweru, reGweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vanotiwo mashoko asina humbowo pamusoro pechirwere cheCoronavirus ari kutaurwa paindaneti anogona kuvhiringidza mafungiro everuzhinji.

VaMazorodze vanoti zvakakosha kuti vanhu vateerere zvinotaurwa navanachiremba avo vane nhoroondo yezvirwere zvakaita seCoronavirus.

Mumwe murwiri wekodzero dzevanhu, Muzvare Nozipho Rutsate, vanotiwo hazvina kuipa kuti vanhu vatevedzere zvitendero zvavo asi vanotsinhirawo kuti pakurwisa chirwere chitsva chakaita seCoronavirus, icho chisina nhoroondo inozivikanwa, zvinenge zvakakosha kuteerera zvinotaurwa navanachiremba.

Nyanzvi munyaya dzezvekufambiswa kwemashoko uye vari mudzidzisi paNamibia University of Science and Technology, VaAdmire Mare, vanoti kutaurwa kwemashoko asina humbowo pamusoro peCoronavirus kuri kukonzerwa nekuti chirwere ichi chitsva chisati chave kunzwisiswa neveruzhinji.

VaMare vanoti zvakakosha kuti hurumende nenyanzvi munyaya dzezvehutano dzive dzinotaura zvizere kune veruzhinji pamusoro pechirwere ichi nguva nenguva senzira yekurwisa manyepo ari kutaurwa.

Chiremba vanoshandira mudhorobha reCharlotte kuNorth Carolina kuAmerica, Dr Simbiso Ranga, vanoti kusada kutambira chokwadi kuri kuitwa nevamwe pachirwere cheCoronavirus kwakafanana nekwakaitika pakatanga kutekeshera chirwere cheHIV/ AIDS.

Dr Ranga vanoti ivo sachiremba vanorwadziwa zvikuru nemashoko asina humbowo ari kutaurwa pamusoro peCoronavirus uye kuti kune vamwe vanhu vanotarisirwa kupa veruzhinji gwara rakanaka, asi vachionekwa vachitaura zvisiri izvo.

Munyori musangano reEvangelical Fellowship of Zimbabwe, VaBlessing Makwara, vanoti veruzhinji vanofanirwa kutevedzera zviri kutaurwa navana chiremba panyaya yevchirwere cheCoronavirus.

Sezvo pasati pawanikwa mushonga wekudzivirira kana kurapa chirwere cheCoronavirus, nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere ichi chikasakundwa, chinogona kuita hukasha hunodarika chirwere chefuruwenza icho chakauraya vanhu vanodarika mamiriyoni makumi mashanu pasi rose kubva muna 1918 kusvika muna 1920.

Coronavirus yabata vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru pasi rose, uye yauraya vanhu vanodarika zviuru makumi masere nezviviri kubva zvayatanga kuChina gore rapera.

Senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, vanhu vanodarika mabhiriyoni mana pasi rose havasi kuenda kumabasa, vachiswera vari mudzimba dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG