Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vakawanda Vovhiringirwa Dzidzo neCoronavirus muZimbabwe


Zimbabwe Students
Zimbabwe Students

Vamwe vabereki vane vana vanofanirwa kunyora bvunzo dzakakosha
gore rino vanoti vari kutyira kuti vana vavo vacharasikirwa nenguva
yakakosha yekudzidza nekuda kwechirwere cheCoronavirus.

Vanwe vadzidzi vari kuzvikoro zvepamusoro vari kuchemawo nerekuti havana mari yekuti vaite zvidzidzo zvavo zvepaiundaneti sezviri kukurudzirwa nehurumende.

Vamwe vabereki vataura neStudio7 vati hurumende inofanirwa kubuda
pachena panyaya yekuti dzidzo yevana vekuprimary nesecondary
ichaenderera mberi sei uye kuti vanofanirwa kunyora bvunzo vachaita
sei.

Mumwe mubereki ane mwana ari kufanirwa kunyora bvunzo dzeGrade7 gore rino, Amai Rudo Makamure, vati vanofunga kuti dai bvumzo dzaendeswa mberi.

Muzvare Tafadzwa Musika avo vanochengeta vana vemukoma wavo vari
muGrade 7 neForm 4, vatiwo kunyange hazvo vana vachigona kuverenga vari kumba, maverengero aya anosiyana nepavanenge vari kuchikoro.

Vati dai bvunzo, kunyanya dzemuna Chikumi dzaendeswa mberi kuitira kuti vadzidzi vawane nguva yekugadzirira yakakwana.

Zvimwe zvikoro zviri kukurudzira kuti vabereki vatengere vana vavo nharembozha kana makombiyuta kuitira kuti vakwanise kudzidza vari kumba vachishandisa indaneti.

Mumwe mubereki, Amai Oster Magqoka, vati havazi vose vabereki
vanokwanisa kuwana mari yekutenga zvinhu zvakadai, uye kubhadhara mari
inodiwa pakushandisa indaneti.

Amai Magqoka vatiti hurumende inofanirwa kupindira ichitaura pachena kuti nderipi gwara rinofanirwa kutorwa panyaya iyi.

Murongi wemabasa mumubatanidzwa weNational Association of School
Development Associations and Committees, NASDAC, VaBanny Manokora, vati hurumende inofanirwa kuenzanisa kukosha kwehupenyu hwevana uye kukoshakwedzidzo.

Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vatiwo hurumende haifanirwe kuda kumhanyira kuti zvikoro zvivhurwe kana chirwere chichiri kutekeshera.

VaZhou vati pane vadzidzisi vari kudzidzisa vana nenzira dzakadai seWhatsApp vakati zvakakosha kuti hurumende itsigire nekuvandudza hurongwa uhu.

Hatina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvedzidzo, VaCain Mathema,
panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isingabatike.

Asi VaMathema vanogara havo vakaudza Studio7 kuti havafi vakataura nayo nepamusana pezvirango zvavanoti zvakatemerwa hurumende yavo neAmerica.

Asi vachipindura mubvunzo wekuti ndeapi matanho ari kutorwa mune zvedzidzo kwakatariswa chirwere cheCoronavirus, munyori mubazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati hurumende iri kugadzira hurongwa hwakazara hwekuona kuti dzidzo ingaenderere mberi sei.

VaMangwana vabvuma kuti vadzidzi vakawanda, kusanganisira vekumaruwa, havakwanise kudzidza vachishandisa indaneti vakati hurumende ichabudisa hurongwa hwainahwo panyaya iyi uyewo pakuti zvikoro zvichavhurwa riinhi.

Zvichakadaro, vamwe vaddzidzi vemuzvikoro zvepamusoro vari kuchemawo
nerekuti havazi kukwanisa kudzidza vachishandisa indaneti nekuda
kwekudhura kunoita nzira iyi.

Mumwe mudzidzi uyo angozvidoma nezita rekuti Tafadzwa ati vabereki
vakawanda havakwanise kubhadharira vana vavo mari yeindaneti nekuda
kwekuoma kwakaita zvinhu munyaya ndzemari munyika.

Mumwezve mudzidzi, Tabeth Magigwana, ati dai vemakambani enharembozha neindaneti achipa vadzidzi mutengo wepasi.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro munyaya dzezvehupfumi uye vari
muongorori akazvimirira ega, VaFelix Chari, vaudza Studio 7 kuti
kushandiswa kweindaneti mukuita zvidzidzo zvepamusoro hakusati
kwasvika padanho rakakura muZimbabwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

Pari zvino zvikoro zvepamusoro zvemunyika zvakavharwawo senzira
yekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus icho
chauraya vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi manomwe nezvisere pasi rose, kusanganisira vanhu vana vemuZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG