Accessibility links

Breaking News

Mumwe Murimi Opura Mari neKurima neKutengesa Maruva kuEurope


 Tatenda Karimazondo Lingfield Farm
Tatenda Karimazondo Lingfield Farm

Apo mabasa akasiyana siyana ari kuvhiringidzwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose, mamwe murimi ari kuratidza huhurudza hwake nekurima achitengesa maruva nezvimwe zvirimwa kunyika dzekuEurope.

Kana munhu uchiri kure unogona kusanzwisisa kuti zvauri kuona mune
mumwe munda uri papurazi reLingfield zvirimwa here, kana kuti imwe
mhando yesora isinganyanyoziikanwi.

Asi ukazosvika pedyo unozoona kuti zvirimwa izvi maruva.

Purazi reLingfield riri makiromita makumi maviri kwakadziva kumabvazuva kweguta reGweru, uye papurazi apa panoitwa mabasa akawanda, kusanganisira kurima maruva nezvimwe zvirimwa zvakasiyana-siyana, pamwe nekupfuya mombe dzemukaka nedzenyama.

Purazi iri ndere mhuri yekwaKarimazondo, uye VaTatenda Karimazondo, ndivo mukuru wepapurazi iri.

Tatenda Karimazondo Lingfield Farm
Tatenda Karimazondo Lingfield Farm

VaKarimazondo vane makore makumi matatu nemapfumbamwe ekuberekwa uye vakadzidzira basa rehu chartered accountant. Vanoti vakaita shungu dzekumutsurudza kurima maruva kwaiitwa nevabereki vavo papurazi iri mumakore ekuma1990, nekuda kwekuziva kuti kuita izvi kunopa pundutso yakakura.

Pave nemakore anoda kusvika mana VaKarimazondo vamutsurudza zvekurima maruva papurazi reLingfield. Vanoti vanorima maruva zvichienderana nekuti vavanotengesera vanenge vachida maruva akaita sei.

Mukuru anoona nezvekurima paLingfield Farm, VaJaison Madyira, vanoti
vanorima mhando shanu dzemaruva anokwanisa kurimwa panguva yemwaka wekupisa, uyewo vanorima imwe mhando yemaruva ine hupenyu hwakatirebei.

Jaison Madyira Lingfield farm.
Jaison Madyira Lingfield farm.

Vanogara vachiitawo ongororo yekuti ndeapi mamwe maruva
angakwanise kurimwa papurazi apa.

Purazi reLingfield rinoendesa maruva anosvika matani maviri kuNetherlands pasvondo rega rega.

Maruva aya anotakurwa nerhori yakagadzirirwa kuita izvi pamwe chete nezvimwe zvirimwa zvakadai se peas, kuendeswa kunhandare yendege muHarare, uko zvose zvinozotakurwa kuendeswa kunze kwenyika.

Mumwaka wekutengesa maruva, purazi iri rinowana mari inodarika mazana mashanu ezviuru zvemadhora.

VaMadyira vanoti kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 icho chinobva
muhutachiwana hwecoronavirus, kwakambokanganisa zvikuru basa ravo.

Kunze kwekurima maruva, veLingfield Farm vanorimawo peas dzavanotengesa kunze kwenyika, vachiwana zvakare mari inodarika mazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

VaMadyira vanoti vanorimawo zvichienderana nezvinodiwa nevavanotengesera.

Vanoti pakukohwa nekurongedza peas kuti dzizoendeswa kunze kwenyika panodiwa kutevedzera zvehutsanana zvakasimba.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Magna Saidi, ndemumwe wevashandi vanodarika mazana mashanu vanoshanda papurazi iri vane basa rekuona kuti izvi zvatevedzerwa.

Lingfield Farm Workers
Lingfield Farm Workers

Kunyange hazvo vachifadzwa nebasa rekurima ravari kuita, VaKarimazondo vanoti kushaikwa kwemari munyika kunovhiringidza basa ravo.

VaKarimazondo vanochema-chemawo nenyaya yekuchinja-chinja mitemo
kunoita hurumende, kunyanya munyaya dzezvehupfumi, vachiti panofanirwa kuve nemitemo inokurudzira varimi vanotengesa zvirimwa kunze kwenyika vakaita saivo.

Kurima maruva ndechimwe chezvinhu zvaiwanisa nyika mari yekunze
kwenyika yakawanda zvikuru, uye Zimbabwe ndiyo yaitevera Kenya
muAfrica mose pakutengesa maruva kunze kwenyika.

Kambani yehurumende inokurudzira kutengeswa kwezvinhu kunze kwenyika, yeZimtrade, inoti mugore ra2002 Zimbabwe yakatengesa maruva emari yaisvika mamiriyoni makumi matanhatu emari yekuAmerica.

Kurima maruva kwakazovhiringidzika sezvakaitikawo kune mamwe mabasa ose ekurima, mushure mechirongwa chekuendesa ivhu kuvanhu vatema.

Varimi vakaita saVaKarimazondo ndevamwe vanhu vari kubatsira
kumutsurudza mbiri yaive neZimbabwe yekurima zvinhu zvinotengeswa kunze kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG