Accessibility links

Breaking News

Mumwe Nyanduri, Victor Tinashe Mpofu, Otsemura Vanhu Mbabvu neKuseka


Thirty-two-year-old comedian Victor Tinashe Mpofu, known as Doc Vikela on stage, says humor helps people cope with stress . Dec. 23, 2018 (C. Mavhunga for VOA)
Thirty-two-year-old comedian Victor Tinashe Mpofu, known as Doc Vikela on stage, says humor helps people cope with stress . Dec. 23, 2018 (C. Mavhunga for VOA)

Panguva iyo veruzhinji vakatarisana nematambudziko akasiyana-siyana, kusanganisira chirwere cheCovid-19, mumwe murume aniota nyambo dzake dzaanobudisa paYoutube, ari kufarirwa zvikuru nevakawanda.

Victor Tinashe Mpofu, uyo anoziikanwa neremadunhurirwa rekuti “Doc Vikela”, anoita nyambo achitevedzera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mune imwe yemavhidhiyo ake anonzi “Mukuru” ayo ari kubudisa paYoutube.

Doc Vikela akaita vhidhiyo iyi munguva pfupi yapfuura, mushure mekunge America yabudisa mashoko ekuti inoverenga Zimbabwe pane dzimwe nyika dzainoona sedzinopikisana nayo.

Vhidhiyo iyi, nemamwe ane chitsama anoitwa naDoc Vikela achitevedzera VaMnangagwa, ari kufarirwa nevanhu zvikuru.

Mune imwezve vhidhiyo, Doc Vikela anotevedzera VaMnangagwa, achitaura pamusoro pezvaZoolian Karendo, kakomana kakaita mukurumbira munyika mushure mekunge kabuda pavhidhiyo yakatenderera paWhatsApp kachiti kaneta nekudya mbambaira.

Akatanga kuita zvenyambo aine makore makumi maviri nemaviri, asi anoti zvekusetsa vanhu chinhu chakagara chiri maari.

Doc Vikela anoti VaMnangagwa munhu anogara achida kuita zvenyambo pakawanda pavanotaura, uye semutungamiri wenyika vanoteererwa nevanhu vakawanda saka iye akaona zvichikodzera kuvatevedzera.

Doc Vikela anoti akatanga kuita nyambo dzekutevedzera VaMnangagwa kubva pakutanga kwegore rino. Anobvuma kuti vanhu vakawanda vane kutya panyaya dzine chekuita nezvematongerwo enyika kusanganisira kutaura kana kuita nyambo pamusoro padzo.

Asi Doc Vikela haana chaanoona chakaipa pakuita zvaanoita.

Zvinoreveyi kuti Doc Vikela anokwanisa kutevedzera VaMnangagwa asina njodzi yaanosangana nayo? Doc Vikela anoti uyu mubvunzo unonetsa kupindura.

Doc Vikela, uyo ane mudzimai nevana vaviri, anoti kuita zvenyambo ibasa rinotomuraramisa.

Akawana mubairo wekutanga muna 2015 muchikamu chenyambo weNational Arts Merit Award.

Ane kambani yake inonzi Simuka Comedy uye anoshanda nevamwe vechidiki vanoona vane chipo vaari kudzidzisawo basa iri.

Panguva iyo veruzhinji munyika vari kuremerwa nehupenyu nekuda kwematambudziko akasiyana-siyana avakatarisana nawo, Doc Vikela ndemumwe wevanhu vari kubatsira kuunza mufaro muhupenyu hwevamwe vanhu nekuda kwenyambo dzake.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG