Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeGweru Inokwidza Mitero Inodarika Zvikamu Makumi Mana Kubva muZana


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Vamwe vagari vemuGweru vanoti vakahadzika zvikuru uye vari kutsutsumwa nekukwidzwa kwakaitwa mitero nekanzuru yavo zvisinei kuti kanzuru yaive yati ichakwidza mitero iyi zvishoma nezvishoma.

Vagari vakawanda vataura neStudio7 vati zvinoshamisa kuti kanzuru yasarudza kukwidza mitero panguva iyo vanhu vakaomerwa nehupenyu nekuda kwechirwere cheCoronavirus.

Mumumwe mugari, Muzvare Florence Dube, avo vanogara mumusha weMkoba 1 vati vange vachibhara mari yemvura nemitero isingasvike mazana maviri emadhora pamwedzi, asi ikozvino vave kunzi vabhadhare mari inopfuura mazana mashanu emadhora.

Mumwezve mugari, Muzvare /Va Nyasha Mahwende, avo vakaremara uye ari murwiri wekodzero dzevakaremara vati vanhu vakawanda vakaita saivo vanoroja sezvo vasina dzimba dzavo pachavo.

Vati kuwedzerwa kwemitero uku kuchaita kuti hupenyu hwavo huwedzere kuoma.

Mukuru werimwe remsangano anomiririra vagari, reGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vati vanonzwisisa kuti kanzuru inoda mari yekuti ikwanise kuta nemazvo mabasa ainofanirwa kuita.

Asi VaSelipiwe vati dai mitero iyi yakwidzwa zvishoma nezvishoma.

Meya veguta reGweru, VaJosiah Makombe, vati mushure mekunge bhajeti ravo regore rino remadhora bhiriyoni imwe nemazana masere ezviuru zvemadhora ratambirwa nehurumende, vakatora danho rekuti vakwidze mitero zvishoma nezvishoma nekuziva kuomerwa kwevagari.

Vatiwo vari kuziva nezvekunyunyuta kuri kuita vanhu nekuda kwemitero vakati vachaona zvekuita,

Tatadza kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vange vasingadavire nharembozha yavo ukuwo yemutevedzeri wavo, Amai Marian Chombo, yange isingabatike.

Zvichakadaro vamwe vana mukoti vanoshandira kanzuru yeGweru nezuro vakaita sit-in sekuratidza kusafara kwavo nekushanda vasina mbatya dzinobatsira kuvadzivirira kuti vasabatwe nechirwere cheCoronavirus kana kuti Personal Protective Equipment.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi ravana mukoti panyaya iyi.

Asi VaMakombe vati vanoziva nezvenyaya iyi uye vari kugadzirisa kuti vashandi vanoshanda mumakiriniki ekanzuru ari manomwe vawane zvipfeko izvi.

Zvichakadaro, hupfu hwasvika kunzvimbo dzakasiyana-siyana muguta reGweru pasi pechirongwa cheGrain Millers Association of Zimbabwe chekuti vanhu vawane hupfu husingadhure.

Asi vamwe vagari vanoti chirongwa ichi hachizi kubastira sezvo hupfu uhu huri kudhuriswa.

Mumwe mugari angozvidoma nezita rekuti Amai Tata vati kuSengwa kwavanogara hupfu hwange huchitengeswa nemari chaiyo chaiyo kwete mari yepafoni kana yepamakadhi.

Hupfu huri kunetsa kuwana munyika nekuda kwekuti nyika haina kuwana goho rakanaka rechibage zvichitevera kusanaya zvakanaka kwemvura

Sangano reWorld Food Program rinotiriri kupemha mari inoita zana nemakumi matatu emamiriyoni emadhora kuitira kuti ritengera vanhu chikafu chinosvika muna Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanoda rubatsiro rwechikafu muZimbabwe vanosvika mamiriyoni manomwe nemazana manomwe ezviuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG