Mapurisa nemasoja avharisa dhorobha reBulawayo mushure
mekunge amanikidza vanhu kudzokera kudzimba dzavo izvo zvasiya vakawanda vachishamisika nekusanzwisisa kuti chii chiri kuitika sezvo vange vasingape chikonzero chekuita izvi.
Vanhu vatanga kudzingwa mudhorobha mangwanani kunyanya panguva
dzekuma7 apo vanhu pavange vave kuwanda mudhorobha vachiuya kumabasa nekuzoita zvinhu zvakasiyana-siyana.
Nekuda kwekusanzwisisa kuti chi chaizvo change chiri kuitika, vamwe
vanhu vange vachiita zvekutiza vachiratidza kutya.
Studio7 payasvika kunzvimbo inotengeserwa zvirimwa zvakasiyana siyana,
kusanganisira muriwo nemadomasi, muna Fifth Avenue, tawona mapurisa
achiudza vanhu kuti vadzokere kumba.
Pagaraji remafuta riri muna Joshua Mqabuko Nkomo Street taona
masoja achiudza vanhu vange vaine motokari dzavo mumutsetse wekuda
kutenga mafuta emotokari kuti vadzokere kumba.
Mumigwagwa inopinda mudhorobha pange paine maroad-block vanhu
vachidzorerwa kumba.
Mumwe mugari uyo angozvidoma nezita rekuti Mashingaidze audza Studio7 kuti adzorerwa kumba pane imwe yemaroad-block aya asi haana kuudzwa chikonzero chekuti izvi zviri kuitirwei.
Mumwezve mugari wemuBulawayo, VaMoses Kumbweya, avo vane bhizimisi rekutenegsa muriwo nezvimwe zvirimwa, vati vashamisikawo vave kungoudzwa kunzi vadzokere kumba.
VaKumbweya vati mapurisa nemasoja anofanirwa kuita basa rawo
nenzira inochengetedza veruzhinji kwete kuita zvinhu zvinoita kuti
vanhu vatsamwe.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vange vasingakwanise kutaura nesu sezvo vange vari parwendo, vatiwo vane musangano wavari kuita uchapera mumaminetsi makumi mapfumbamwe.
Studio7 haina kuzokwanisa kuvabata sezvo tange tava kuenda pamhepo apo musangano wavo wanga uchiri kuenderera mberi.
Mune imwewo nyaya meya weguta reBulawayo, VaSolomon Mguni, vaudza Studio 7 parunhare kuti vakuru vakuru vekanzuru nechikamu cheCivil Protection Unit mudunhu reBulawayo vaenda kunoita ongororo kunzvimbo yeLuveve senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko rechirwere chemanyoka chiri kubata vanhu vemunzvimbo iyi.
Kusvika pari zvino vanhu vashanu vashaya nekuda kwechirwere ichi uye
vanoziva zviri kuitika vanoti nekuda kwedambudziko remvura vamwe
vagari vekuLuveve vange vachichera mvura kubva mumatsime ane mvura ine tsvina izvo zvinonzi zvinogona kuve zviri kukonzera hurwere.
Kanzuru yeguta reBulawayo iri kupa vagari mvura zuva rimwe chete
pavhiki nekuda kwekuti mvura iri mumadhamu anopa mvura kuguta iri yave
shoma.
Guta reBulawayo rinowana mvura kubva kumadhamu matanhatu asi
pari zvino madhamu matatu pamatanhatu aya haachashandiswe sezvo
asisina mvura.
Vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari nhengo yeMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vanoti zviri pachena kuti guta reBulawayo rine dambudziko remvura uye hurumende inofanirwa kubata nyaya iyi sedambudziko rinofanirwa kugadziriswa nekukasika.
Mwedzi wakapera, gurukota rekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vakaramba chikumbiro chekanzuru chekuti guta reBulawayo rinzi rine dambudziko rakakura rekuwanira vagari mvura yakakwana vachiti dambudziko riripo ndere kuti kanzuru haizi kukwanisa kupomba mvura yakakwana kuti ipe vagari kwete kuti mvura yacho haipo.
Facebook Forum