Accessibility links

Breaking News

Kudzoka muNyika kweVamwe Kwokonzera Kusagadzikana muGweru neNyaya yeCoronavirus


Vamwe vagari vemuGweru vanoti vave kutyira kupararira kwechirwere checoronavirus kana kuti Covid-19 zvichitevera kuchengetedzwa muguta iri kwezvimwe zvizvarwa zvemuno zvakabva kunze kwenyika.

Vanhu vanoda kusvika zana nemakumi maviri vakachengetedzwa paGweru Polytechnic kutanga nemusi weChishanu svondo rapera.

Kune vamwezve vanhu vanosvika makumi matatu vakachengetedzwa paMkoba Teachers’ College kutanga nezuro.

Vanhu ava ndevamwe vari pakati pezvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzorwa kubva kunyika dzeSouth Africa neBotswana.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vachinyora padandemutande ravo reTwitter vanoti Mkoba Teachers College inokwanisa kugara vanhu mazana mashanu vari kubva kunze kwenyika. Vakatiwo Gweru Polytechnic yatozara.

Mumwe mugari Amai Enita Nyati vaudza Studio 7 kuti vanotyira kupararira kwechirwere checoronavirus nekuti vamwe vevanhu ava vanogona kuve vainacho vachitiwo vanhu ava vanogona kutiza munzvimbo dzavakachengetedzwa.

Asi mumwewo mugari Muzvare Nyasha Mahwende vati vanhu ava vanofanirwa kubatwa zvakanaka sezvo zviri zvizvarwa zvemuZimbabwe uye vari hama neshanwari dzevamwe vanhu.

Vatiwo kunze kwekutyira kupararira kwechirwere vari kutyirawo kuti vamwe vevanhu ava vanogona kuita zviri kunze kwemutemo vakatsinhirawo kuti vanofanirwa kuchengetedzwa zvakasimba.

Studio 7 yanyimwa mvumo yekupinda panzvimbo mbiri idzi nevange vakachengetedza vachiti tinofanirwa kupiwa mvumo kubva kumahofisi ehurumende emudunhu reMidlands.

Taedza kunzwa kubva kugurukota redunhu reMidlands VaLarry Mavima pamwe nevakafanobata chigaro chemukuru wedunhu munyaya dzezvehutano kana kuti Provincial medical director Dr Reginald Mhene asi patasvika kumahofisi avo vanzi vange vari mumusangano.

Vanoziva zviri kuitika vanoti kuBotswana nekuSouth Africa kwavaive vari vamwe vevanhu ava vainzi vari munyika idzi zvisiri pamutemo vakambosungwa, izvo zvakavaisa panjodzi yekubata chirwere checoronavirus.

Meya weguta reGweru VaJosiah Makombe vabvuma kuStudio 7 kuti chipatara chinorapwa varwere vecoronavirus kana kuti Isolation District Hospital chichiri kunadzurudzwa pari zvino.

Vakurudzira vagari kuti vatevedzere zvinokurudzirwa pakudzivirira chirwere checoronavirus asi vati havafanirwe kutya vachiti vane chivimbo chekuti kana pakaitika vanowanikwa vaine chirwere ichi vanokwanisa kurapwa.

Mukuru webato rePeople’s Democratic Party Amai Lucia Matibenga avo vanovewo mugari wemuguta reGweru vati ibasa rehurumende kuchengetedza vanhu vari kudzoka ava zvakanaka uye kuwonawo kuti vamwe vagari vose vakachengetedzeka.

Mudunhu reMidlands hamusati maita munhu akabatwa nechirwere checoronavirus. Asi kudzoka kumusha kuri kuramba kuchiita zvizvarwa zveZimbabwe kubva kunyika dzakatipoteredza kuri kuita kuti vamwe vabatire hura mumaoko vachityira chirwere ichi.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG