Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa chekuChina Chosungwa Mushure Mekupfura Vashandi Vaviri kuGweru


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.

Chimwe chizvarwa chenyika yeChina chinove mukuru weimwe kambani inoita zvekuchera goridhe chakasungwa mushure mekunzi chakapfura vashandi vaviri pamahofisi ekambani iyi muGweru neSvondo mangwanani.

Gwaro remapurisa riri mumaoko eStudio 7 rinoti chizvarwa chekuChina ichi, VaZhang Xuelin, avo vane makore makumi mana nerimwe ekuberekwa, vakapfura VaKenneth Tichaona, vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, naVaWendy Chikwaira, avo vane makore makumi matatu nerimwe.

Gwaro iri rinoti pakaita kusawirirana pakati paVaZhang nevashandi mushure mekunge vati vaizovabhadhara nemari yemunyika ivo vachinzi vakange vambovavimbisa kuvabhadhara nemari yekuAmerica.

Mukunetsana uku VaTichaona vanonzi vakada kuenda kuna VaZhang vachiratidza hasha uye mumwe mupurisa anochengetedza nzvimbo iyi VaBlessing Manyeruke vakada kuvadzora asi vakakundikana.

VaZhang vanonzi vakazobuditsa pfuti diki yavaive nayo ndokubva vapfura VaTichaona katatu pagumbo rerudyi uye kaviri pagumbo rekuruboshwe. Vanonzi vakazokava Tichaona nebhutsu uye vakaridzazve pfuti yavo vakanangisa kuvashandi vaive vakaungana uye rimwe bara rakabva rakakuvadza VaChikwaira pachirebvu.

VaTichaona vari kurapwa vari pane chimwe chipatara chinoshanda chakazvimirira muGweru asi VaChikwaira vakarapwa vakabuda muchipatara.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Joel Goko vabvuma kuti pane nyaya yakadaro yakaitika asi vati havangakwanise kutaura zvakawanda kusanganisira kuti VaZhang vachaenda kudare riinhi.

Vati nekuda kwekuti VaZhang chizvarwa chekune imwe nyika zvose zvine chekuita nenyaya iyi zvinotaurwa nemuzinda wemapurisa kuHarare.

Mutauriri wemuzinda weChina muZimbabwe aburitsa mashoko kuvatori venhau achiti ari kushushikana zvikuru nechiitiko ichi. Muzinda uyu wati unovimba kuti mapurisa achaferefeta nyaya iyi zvizere uye zvakaitika hazvisi kuzokanganisa kudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Muzinda uyu wati hapana munhu ari pamusoro pemutemo. Asi mutauriri wemuzinda weChina uyu wangotaura nezvekupfurwa kwemunhu mumwe chete.

Mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU mudunhu reMidlands VaKudakwashe Munengiwa vati kunyange hazvo nyaya iyi ichiri mumaoko emapurisa vari kushora chose kwavati kuisa mutemo mumaoko avo kunoita vakuru vakuru vemamwe makambani ezvizvarwa zvekuChina vakawanda vari munyika.

Vati sangano ravo harizopeta maoko richirega vanhu vekuChina ava vachiita madiro aJojina munyika. Hurumende yeZimbabwe inoverenga nyika yeChina pakati penyika dzaiine hushamwari hwakasimba.

Asi pave nenguva yakareba vanhu munyika vachigunun’una nekwavanoti kusabatwa zvakakanaka kwevashandi vemuno nevamwe vemakambani ekuChina.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG