Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri we MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa amai Lynette Karenyi Kore vanoti misangano yavakapinda mu Washington DC muAmerica yaka famba zvakanaka. Amai Karenyi Kore vakapinda misangano yakaitwa kumucheto we misangano ye World Bank neIMF.. Nyaya ina Marvellous Nyahuye
Hurongwa uhwu hunonzi hwanga hwakanangana nekunamatira zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika, kuparara kwetsika, mhirizhonga, kumutsiridzwa kwehupfumi hwenyika pamwe nekuti vatungamiri vapiwe njere.
Vanhu vakawanda munyika vochema chema zvikuru vachiti vava kuomerwa zvakanyanya nehupenyu sezvo zvinhu zvakawanda munyika zviri kuramba zvichikwira mitengo yazvo.
Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinosvitsa magwaro aro ku Health Services Board richikurudzira kuti paumbwe Medical Council Apex iyo ichange ichibata nyaya dzemadjokotera chete.
Gavhuna veReserve Bank, VaJohn Mangudya, vari muguta reWashington umo vari kupinda misangano yeIMF neWorld Bank. Vasati vapinda mumisangano iyi vakapinda mumusangano wakakokerwa nesangano reMEFMI uyo unopindwa nemagavhuna nemakurukota ezvemari emuAfrica. (Marvellous Mhlanga-Nyahuye.)
Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari muWashington DC umo vari kupinda misangano yeIMF neWorld Bank. VaNcube vakapinda mumwe musangano wemakurokota ezvemari nemagavhuma emuAfrica wakakokerwa neMEFMI. (Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVOA Studio 7).
Kambani yeFood Seed Grain yoramba kuti yakabhadharwa mari inoita mazana mana emadhora ekuAmerica nebazi rezvemari kubva muna 2016 ichiti yakabhadharwa mari iyi ari maRTGS kuitira kuti itenge zvinhu zvaidiwa pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme.
Muimbi wenziyo dzechitendero, Mercy Mutsvene, anoti akatanga chirongwa chekubatstira vanasikana vakaremara vanoda kuita zvekuimba. Izvi zviri kuitika panguva iyo pasi rose riri kurangarira zuva remwanasikana. (Marvellous Mhlanga-Nyahuye).
Hutungamiri hweZCTU hunoti hwava kugara hwakabatira ura mumaoko mushure mekutumirwa mashoko ekutyityidzira vakuru vakuru vesangano iri vachinzi vachaurayiwa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshanyira zvipatara zvikuru zveHarare ne Parirenyatwa vachiona mamiriro akaita zvinhu muzvipatara izvi panguva iyo vanachiremba vasiri kuenda kumabasa vachiti havana mari yekuti vaenda kunoshanda muzvipatara zvehurumende.
Vanachiremba mubazi re Surgery paUniversity of Zimbabwe vanoramwa mabasa zvichitevera kumbomiswa basa kwevamwe vavo, Dr. Bothwell Mbuvayesangano naDr. David Chimuka, vachipomerwa mhosva yekupesvedzera vana chiremba musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association kuti vasaende kumabasa.
Makombi akawanda oswera akapakwa sezvo veruzhinji vari kutadza kubhadhara mari dzinodiwa nemakombi, izvo zviri kupa kuti vapedzisira voshandisa maZupco ayo akachipa.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica muzvare Theresa Dangwa vanoti vane zvirongwa zvakawanda zvavari kuita kuZimbabwe zvekubatsira vanotambura nyaya vana vechidiki. Muzvare Dangwa vanotaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye mutori wenhau weVOA Studio 7 pamusoro pezvirongwa zvavari kuita kumusha.
Vanachiremba voramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa nhasi kana kuti voendeswa kumatare nenyaya yekuramwa mabasa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanhu vose vanofanirwa kutaurirana, kuwirirana, kushanda pamwe chete uye nekusavengana kuitira kuti nyika ibudirire.
Vana chiremba vakuru musangano reSenior Hospital Doctors Association vatangawo kuramwa mabasa nhasi vachibatana navanachiremba vadiki vari musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, izvo zvasiya varwere vakawanda vari parumananzombe.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanopa muonero avo pamashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pahurongwa hweState of the Nation Address nezuro.
Muimbi wedzimbo dzechitendero, Mercy Mutsvene, anoti shuwiro yake ndeye kuti paramande idzike mitemo yakasimba yekuranga veruzhinji vanoita tsikisa mimhanzi yevamwe zvisiri pamutemosezvo izvi zviri kuuraya basa revanoita zvekuimba. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Muimbi wedzimbo dzechitendero, Mercy Mutsvene, anoti shuwiro yake ndeye kuti paramande idzike mitemo yakasimba yekuranga veruzhinji vanoita tsikisa mimhanzi yevamwe zvisiri pamutemosezvo izvi zviri kuuraya basa revanoita zvekuimba.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotura mashoko avo pamamiriro akaita zvinhu munyika vachikurudzira runyararo pamwe nekurwisa huori.
Rodhai zvimwe