Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 18, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda munyika vochema chema zvikuru vachiti vava kuomerwa zvakanyanya nehupenyu sezvo zvinhu zvakawanda munyika zviri kuramba zvichikwira mitengo yazvo.

Studio7 inoita hurukuro nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, Amai Lynette Karenyi Kore, avo vari kupinda mumisangano iri kuitirwa muguta reWashington DC.

Paramende inopedza kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro peZimbabwe Media Commission Bill muHarare paine mashoko ekuti hurumende yabvuma kuti bhiri iri rinopa masimba akawandisa kugurukota rezvekuritswa kwemashoko, uye yave kushandura zvimwe zvikamu zvebhiri iri risati raenda pachidanho chinotevera.

Dare reSupreme Court rinotadza kunzwa makakatanwa emagweta emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, nemagweta emutungamiri weimwe MDC, Muzvare Thokozani Khupe, panyaya yekuti mutungamiri weMDC ari pamutemo ndiyani, richiti nyaya iyi ichanzwikwa zvakare mudare iri nemusi weChitatu.

Vabereki vemuguta reMasvingo vari kuchema chema zvikuru vachiti vanasikana vavo vari kubatwa batwa zvisiri pamwero apo vanenge vari kuzvibhorani vachichera mvura munguva dzemanheru.

Chikwata chema Warriors chatarisana nemukana mukuru wekubudirira kuenda kumafainari e 2020 Africa Nations Championships, Chan, apo chiri kutamba neLesotho nemusi weSvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamuramba mhuru.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG