Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vanachiremba voramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa nhasi kana kuti voendeswa kumatare nenyaya yekuramwa mabasa.

RBZ yoramba kuti yakati vanhu vasatambiriswe mihoro nemadhora ekuAmerica zvikuru vari mumasangano akazvimirira.

Zimbabwe Human Rights Commission, inoti vanhu vakawanda mudunhu reManicaland Havana magwaro ekuzvarwa, kufambisa nezvitupa.

Vamwe vabereki vochema chema nenyaya yekuwedzerwa kwemari dzekuti vana vakwanise kugara kumabhondingi nenyaya yekudhura kwezvinhu.

Vamwe vagary vemuManicaland vochema chema nekushaya zvitupa.

Munhau dzeMitambo, Caps United yoramba ichiwedzera mapoinzui pahutungamiri hwayo muCastle Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kutarisana nevarwere vari muzvipatara zvehurumende panguva iyo vana chiremba vari kuramwa mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG