Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gumiguru 03, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vana chiremba vakuru musangano reSenior Hospital Doctors Association vatangawo kuramwa mabasa nhasi vachibatana navanachiremba vadiki vari musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, izvo zvasiya varwere vakawanda vari parumananzombe.

Sangano re Election Resource Center rinoti riri kushushikana nekusavandudzwa kwemitemo inobata sarudzo kuitira kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Nyanzvi munyaya dzekuwanikwa kwemvura yakachena dzozeya nzira dzekuti Zimbabwe ibude mudambudziko rairi kumusangano we2019 Water and Sanitation and Energy Conference uri kuitirwa muguta reBulawayo.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanorumbidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivati vari kuita napose pavanogona napo kugadzirisa dambudziko remagetsi.

Asi mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoenderera mberi vachiti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, avo vanoti havavacherechedzi semutungamiri wenyika, vakundikana zvachose kugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vagari vekuChimanimani mudunhu reManicaland vakavhiringwa nedutumupengo reCyclone Idai vopesana pahurongwa hwekuti vanogariswa patsva.

Blessing Zulu weStudio7 ari kukokera nhasi manheru hurukuro dzichaitwa pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika pahurongwa huchaitirwa paCrown Plaza hotel kutanga na 6pm nhasi, Gumuguru 03, 2019. Ngatisanganeyi kuCrown Plaza hotel na 6pm kuitira kuti munzwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, pamwe nedzehupfumi dzichipa maonero adzo zvaingaitwe mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable paLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kutarisana nevanhukadzi panguva iyo vana chiremba vari kuramwa mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG