Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 16, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanovandudza mashandiro evatevedzeri vavo vatatu vanoti VaWelshman Ncube, avo vachange vachiona nezvekufambiswa kwemabasa mubato pamwe nekudyidzana nedzimwe nyika; Amai Lynett Karenyi Kore, avo vachange vachiona nezvemabasa eparamende nemuzinda webato, uye VaTendai Biti, avo vachange vachiona nezvinomirirwa nebato pamwe nekutongwa kwematunhu nemaguta.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinosvitsa magwaro aro ku Health Services Board richikurudzira kuti paumbwe Medical Council Apex iyo ichange ichibata nyaya dzemadjokotera chete.

Vanoita zvekutora nhau vanokurudzira kuti bhiri remutemo weZimbabwe Media Council ringe richichengetedza kodzero dzemutori wenhau semushandi, uye kuti paumbwe homwe ichabatsira masangano enhau anenge achitatarika.

Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwanira vanhu chikafu chakakwana panguva iyo veruzhinji munyika vakatarisana nenzara inotyisa munyika.

Sangano reZimbabwe Diaspora Foundation rinoparura hurongwa hwekubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinenge zvichida rubatsiro.

Chikwata cheZimbabwe Netball chonanga kuSouth Africa kumakwikwi e2019 Africa Netball Championships

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG