Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 15, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Kambani yeFood Seed Grain yoramba kuti yakabhadharwa mari inoita mazana mana emadhora ekuAmerica nebazi rezvemari kubva muna 2016 ichiti yakabhadharwa mari iyi ari maRTGS kuitira kuti itenge zvinhu zvaidiwa pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme.

Sangano reZimbabwe Human Rights Ngo Forum rinoparura gwaro rinoratidza kuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kunosvika zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana, kwakaitwa nehurumende.

Apex Council inoti vashandi vehurumende havachakwanisi kuenda kubasa nepamusana pekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.

ZimStats inoti mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvishoma zvochienzaniswa nemwedzi miviri yapfuura.

Vanhu vakawanda vanopa pfungwa dzavo pamusoro pe Zimbabwe Media Commission Bill vachiti panofanirwa kuve nemitemo yakajeka inoburitsa pachena marangirwo achaitwa vatori venhau vanotadza kuita basa ravo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanasikana munyika takatarisa kuoma kuri kuita zvinhu munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG