Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 11, 2019.


Nhau DzeShona Studio7

Hutungamiri hweZCTU hunoti hwava kugara hwakabatira ura mumaoko mushure mekutumirwa mashoko ekutyityidzira vakuru vakuru vesangano iri vachinzi vachaurayiwa.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti riri kuenderera mberi nekuratidzira kwaro kutanga nemusi weMuvhuro panguva iyo vana mukoti vepaParirenyatwa Hospital vachiti havachakwanisi kuenda kubasa nepamusana pekushaya mari.

Vanhu vanoparadzirwa misha yavo nedutumupengo kuManicaland.

Mutungamiri weEthiopia, VaAbiy Ahmed Ali, vanopihwa mubairo we2019 Nobel Peace Prize kuburikidza nemabasa avo erunyararo

Zvikwata zviri kutungamira mumakundano eCastle Lager Premier Soccer League, Caps United ne FC Platinum, zvoita mitambo isina kunyanya kuoma apo zviri kusangana neHwange neYadah

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa danho rakatorwa nemachechi rekukurudzira kuti munyika musaitwe sarudzo kwemakore manomwe pachigadziriswa hwaro hwekuti munyika muzoitwa sarudzo dzisingapikiswi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG