Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 08, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Makombi akawanda oswera akapakwa sezvo veruzhinji vari kutadza kubhadhara mari dzinodiwa nemakombi, izvo zviri kupa kuti vapedzisira voshandisa maZupco ayo akachipa.

Zvikoro zve boarding zvoramba zvichikwidza mari dzinofanirwa kubhadharwa nevabereki zvichiti zviri kukwidza mari idzi sezvo mitengo yechikafu nezvimwe iri kuramba ichikwira nguva dzose.

Dare re Labor Court ronzwa nyaya yemadhokotera ari kuramwa mabasa kuti vari kuita izvi zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Zvinhu zvoramba zvakaoma muzvipatara zvehurumende zvichitevera kushaikwa kwavana chiremba muzvipatara izvi.

Vagari vekuChinhoyi vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura yakachena rambopera muguta iri zvichitevera kuwana kwakaita kanzuru yeguta iri mari kubva kuhurumende.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa hurongwa hwehurumende hwekuda kushandisa hunyanzvi hwechizvino zvino mukumutsiridza maindasitiri akavharwa zvichitevera kuparara kwehupfumi hwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG