Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanhu vose vanofanirwa kutaurirana, kuwirirana, kushanda pamwe chete uye nekusavengana kuitira kuti nyika ibudirire.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotiwo munyika munofanirwa kuitwa nhaurirano dzechokwadi kuitira kuti matambudziko akatarisana nenyika agadziriswe sezvo VaMnangagwa vakundikana.

Dare redzimhosva remuBulawayo rinobvisa pahusungwa sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, nevamwe vavo vatanhatu richiti vanhu ava vakaunzwa kudare nenzira isina kutevedza mitemo yematare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana zvotarisana nenguva yakaomarara zvichitevera danho renyika iyi, pamwe neUnited Nations rekukurudzira zvizvarwa izvi kuti zvidzokere kumusha kukundikana kwazvo zvozodzoserwa kuZimbabwe nechisimba.

Studio7 inoita hurukuro yekupedzisira muHarare veruzhinji vachipa pfungwa dzavo pahurongwa hwakaitwa nezuro manhero nenhepfenyuro ino ichishanda neMedia Center.

Chikwata chiri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League, cheCaps United, chinoti hachisi kubata Mushowani Stars neruwoko rwakapfava pachatamba zvikwata izvi nemusi weMugovera.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kutarisana nevarwere vari muzvipatara zvehurumende panguva iyo vana chiremba vari kuramwa mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG