Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanopa muonero avo pamashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pahurongwa hweState of the Nation Address nezuro.
Vana chiremba vanoratidzira pachipatara cheParirenyatwa muHarare vachinyunyuta zvikuru pamusoro pekusagadziriswa kwezvichemo zvavo vachiti vacharamba vachiramwa mabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vanoshanyira dunhu reMashonaland West vachiona mafambiro ari kuita zvirongwa zvegomarara mudunhu iri.
Verudzi rweKalanga muZimbabwe neBotswana voita hurongwa hwekusimbaradza tsika nemagariro avo muBotswana
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvomira mira kutengera hama neshamwari zvinhu zvekurimisa sezvo vari kumusha vari kukundikana kuwana zvekurimisa zvakaita sembewu nefotireza sezvo vasina mari dzinodiwa panguva iyo nyika yatarisana nemwana wekurima.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukubatsira hama neshamwari dziri kumusha panguva iyo zvinhu zvakaoma munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.