Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotura mashoko avo pamamiriro akaita zvinhu munyika vachikurudzira runyararo pamwe nekurwisa huori.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inobuda muparamende apo mutungamiri wenyika anga achitaura pahurongwa hweState of the Nation Address.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya mashoko aVaMnangagwa pamamiriro akaita zvinhu munyika.
Madhokotera makuru pasi pesangano reSenior Hospital Doctors’ Association anoudza hurumende kuti achange asingaendi kubasa kutanga nemusi weChina, Gumiguru 3, sezvo hurumende yatadza kugadzirisa zvichemo zvavo.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zvinoreva kune vechidiki mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ayo vatura muparamende pasi pehurongwa hwavo hweState of the Nation Address.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum