Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshanyira zvipatara zvikuru zveHarare ne Parirenyatwa vachiona mamiriro akaita zvinhu muzvipatara izvi panguva iyo vanachiremba vasiri kuenda kumabasa vachiti havana mari yekuti vaenda kunoshanda muzvipatara zvehurumende.
Dare reLabor Court rotarisirwa kupa mutongo waro pachikumbiro cheHealth Services Board chekuti vanachiremba vamanikidzwe kudzokera kubasa hurumende ichiti zvavari kuita hazvisi pamutemo.
Vamwe vanamukoti votangawo kunyunyuta vachiti mari dzavari kutambiriswa hadzisi kukwana kuti varambe vachienda kubasa sezvinotarisirwa.
Kurudziro yemamwe makereke yokuti munyika musaitwe sarudzo kwemakore manomwe kuitira kuti munyika muve nekupodzwa kwemaronda nekuregererana kuitira kuti pazoitwa sarudzo pasina ruvengo nemakakava, yosimudza mutauro vamwe vachipikisa, vamwe vachitsigira hurongwa uhwu.
Mamwe madzimai aimbove varwiri verusununguko vanosangana nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, vachivaudza kuti mari dzavari kupihwa dzemudyandigere hadzina zvadziri kuvabatsira nazvo sezvo dziri shoma zvikuru zvichienzaniswa nekudhura kuri kuita zvinhu munyika.
FC Platinum yoiswa muGroup B remakwikwi eCaf Champions League umo ichasangana nezvikwata zvenhabvu zvinotemesa musoro zvimwe zvikwata zvazvinenge zvichitamba nazvo.
Muchirongwa cheLiveTalk Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo mitengo yechikafu iri kuramba ichi kwira ukuwo veruzhinji vachishaya rubatsiro muzvipatara zvehurumende sezvo vana chiremba varikuenderera mberi vachiramwa mabasa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum