Nhengo dzemakereke anodarika mazana matatu dzinonzi dzaungana kumuzinda weState House muHarare neMuvhuro pakuparurwa kwehurongwa hwekunamatira nyika, uhwo huri kutungamirwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa.
Hurongwa uhwu hunonzi hwanga hwakanangana nekunamatira zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika, kuparara kwetsika, mhirizhonga, kumutsiridzwa kwehupfumi hwenyika pamwe nekuti vatungamiri vapiwe njere.
Mumwe wevapinda mumunamato uyu, uye vari munyori anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe, Doctor Joseph Pagan’a, vanoti zvakakosha kuti vatendi vabatane vachinamatira nyika sezvaitika izvi.
Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vabatanaye nayo nemusi weChishanu pakuratidzira kwakarongwa neSADC pamusoro pezvirango zvainoti zvakatemerwa nyika nenyika dzekumawirira, asi zvirango izvi zvakapiwa vamwe vari muhurumende nekuda kwekutyora kwavo kodzero dzevanhu.
Facebook Forum