Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 09, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Vanachiremba mubazi re Surgery paUniversity of Zimbabwe vanoramwa mabasa zvichitevera kumbomiswa basa kwevamwe vavo, Dr. Bothwell Mbuvayesangano naDr. David Chimuka, vachipomerwa mhosva yekupesvedzera vana chiremba musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association kuti vasaende kumabasa kudzamara hurumende yagadzirisa zvose zviri kudiwa navanachiremba ava.

Vanhu vakawanda votadza kurapwa muzvipatara zvehurumende sezvo muzvipatara izvi musina madhokotera ayo ari kuti ari kutadza kuenda kubasa nepamusana pemari shoma dzaari kutambiriswa.

Dare repamusoro rinorasa chikumbiro che Community Water Alliance of Zimbabwe chekuti kanzuru yeHarare nehurumende zvisungirwe kupa vagari vemuguta iri mvura yakachena nguva dzose.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoenda kuUganda kunopemberera kuwana kuzvitonga kwenyika iyi.

Dare remakurokota rinotambira bhiri remutemo unobata nyaya dzekusora nekuchengetedza kodzero dzevanhu pamadandemutande.

Zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa zvinoratidzira muCape Town zvichiti hazvisi kuwana rubatsiro kubva kubazi reunited Nations rinoona nezvevapoteri.

Muchirongwa cheDiaspora na8pm tiri kutarisa hurongwa hwehurumende hwekuda kuti vari kunze kwenyika vakwanise kuvhota vari munyika dzavari.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG