Vatori venhau veNewsDay vanorohwa pamwe nekusungwa nemapurisa vachiita basa ravo apo mapurisa anga achikanda masipaiki pamakombi anotakura vanhu muguta reHarare.
Varume vatatu vari kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa mwedzi wapera vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro.
Misha yenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzinopiswa kuMazowe.
Doctor Musawenkosi Donia Saurombe, akapinda munhoroondo yekuva wechidiki wekutanga mu Africa yose kupedza zvidzidzo zve Doctor of Philosophy aine makore makumi maviri nematatu.
Sangano reWorld Vision robatsira vana vechikoro mudunhu reHwange kuitira kuti vakwanise kuwana magwaro ekuzvarwa kwavo kuitira kuti varambe vachienderera mberi nedzidzo.
Mumwe mukomana wechidiki Gabriel Matemba uyo anogara kuMbare achidzidza kuHarare High School anoti hazvina basa kuti unobva kupi sezvo iye akwanisa kupinda mumakwikwi eFirst Global Robotics ange ari muWashington DC kunyangwe zvinhu zvisina kumira mushe kwaanobva. Ange ari mumwe weTeam Zimbabwe.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurongwa hwekuda kushanda pamwe chete naAmai Joice Mujuru hwakona n’anga murapwa achada.
Vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu e Cyclone Dineo vofara zvichitevera rubatsiro rwemagumbeze, zvinhu zvekuvakisa nezvimwe zvinodiwa mukurarama kwavo kubva kukambani ye Tongaat Hullets.
Nyika dzakakunda Zimbabwe nevamwe vayo dzinoti Georgia, Romania ne Benin pamutambo wakaitwa neChipiri, izvo zvakasiya Zimbabwe iine mapoinzi mazana mana nemakumi matanhatu nemanomwe.
Bhizinesi remumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, Va Elias Mudzuri, pamwe nemba yakanzura weMDC-T muKuwadzana zvinoparadzwa nevanhu vanonzi nebato reMDC-T ndeveZanu PF.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri we National People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanotsigirwa nebato idzva re Dare kuti vave mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikiswa.
Vechidiki vekuZimbabwe vanobva kuzvikoro zvakasiyana siyana vari mumakwikwi e First Global 2017 Challenge ari kuitirwa muWashington DC vanoti vane tarisiro yekuti vachakunda mumakwikwi aya.
Sarudzo yeChiwundura by-election yosimudza mutauro zvichitevera kuvhota kwevanhu vakawanda vaishandisa zita rimwe chete.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechirungu chinogara kuBritain chinozivikanwa nezita rekuti Baba Emily chinoti vana vanozvarirwa kunze kunyika vanofanirwa kudzidziswa rurimi rwaamai. Vanoti mwana wavo akazvarirwa kuBritain asi vanotaura naye neShona. Inzwayi hurukuro yavakaita na Marvellous Nyahuye.
Kunetsana muZanu-PF kuri kuenderera mberi zvakasimba apo mutungamiri wenyika nebato iri VaRobert Mugabe vari kuSingapore uko vari kurapwa pasina kuziviswa kuti anodzoka riini.
Motokari yebato rinopikisa reMDC-T inopiswa kuKuwadzana zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nenyaya dzezvematongerwo enyika.
Vechidiki veMDC-T vanoratidzira muHarare vachiti vanoda kuti mitemo inobata sarudzo ivandudzwe uye ZEC ishande yakazvimirira.
Imwe nhengo yeMDC-T VaBarnabas Mwanaka vanosungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutema mupurisa VaTalkmore Phiri pakurwisana kwakaitika mwedzi wapera pakati pemapurisa nevanotengesa mumigwagwa yeHarare.
Mumwe mukuru muhofisi yezvekudyidzana nedzimwe nyika anotenda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaenda kuSingapore kunorapwa kunyangwe asimbaradza kuti havasi kunyanya kurwara. Asi mubato reZanu-PF muri kuita kunetsana kunotyisa.
VaNkosana Moyo avo vakazivisa kuti vave kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vosangana nevemasangano akazvimirira kuBulawayo.
Rodhai zvimwe