Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Chikunguru 11, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi Chipiri, Chikunguru 11, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nhengo yeMDC-T VaBarnabas Mwanaka vanosungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekutema mupurisa VaTalkmore Phiri pakurwisana kwakaitika mwedzi wapera pakati pemapurisa nevanotengesa mumigwagwa yeHarare.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanoti vakaisa nzvimbo dzekunyoresa vavhoti dzakawanda kumaruwa nekuti vanhu veko vari kure nekure. Asi vanopikisa vanoti uku kuda kuti vatsigiri veZanu-PF vakawanda vanorese kuvhota.

Varimi vanoudza dare reparamende kuti vanoda tsamba dzebatiso kana kuti 99 year lease kuti vakwanise kukwereta mari yembeu nezvimwe zvikwanisiro.

Chikwata cheZimbabwe Warriors chodzoka munyika nhasi chichitarisira kutambirwa nemufaro nevatsigiri venhabvu.

Bhanga reSteward bank rinoti rambomira kupa vanhu mari yekubhadhara kunhepfenyuro yeMultiChoice richiti harina mari yekunze sezvo munyika muine dambudziko rekushomeka kwemari.

Muchirongwa che LiveTalk-The Connection na8pm Ntungamili Nkomo ari kutaura nevechidiki nezvemaonero avo pagadziriro yekuvhota muna 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG