Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 26, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 26, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varume vatatu vari kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa mwedzi wapera vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repamusoro.

Nyanzvi dzemitemo dzotaura zvinoreva kuvandudzwa kwekutanga kwebumbiro remitemo bato reZanu PF richishandisa huwandu hwenhengo dzaro dziri muparamende.

Sangano rinozviti HashTag This Constitution – My Constitution roshoropodza Zanu PF iyo inoti rinomanikidza vana vechikoro kusiya zvidzidzo zvavo kuti vapinde misangano yebato iri zvikuru misangano inenge iine mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti bato ravo harisi kuzopinda mumubatanidzwa wemapato anopikisa vachiti vane muonero wakasiyana nemapato ari munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matanho ari kutorwa nemapato ari kukurudzira vari kunze kwenyika kuti vavhote musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 26, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG