Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 24, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 24, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reWorld Vision robatsira vana vechikoro mudunhu reHwange kuitira kuti vakwanise kuwana magwaro ekuzvarwa kwavo kuitira kuti varambe vachienderera mberi nedzidzo.

Mutauriri weRenewal Democrats of Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vanobuda mubato iri vachinobatana neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, iyo vakatanga vari bato iri risati rapatsanuka.

Sangano rinomirira magweta munyika reLaw Society of Zimbabwe rinoti rasvitsa nyaya yaro kudare rekumusoro kuti dare iri rirambidze makambani anotevera zvikwereti kuti asanetsa vanhu sezvo asingabvumidzwe nemutemo kuita izvi.

Chizvarwa cheZimbabwe, Musawenkosi Donia Saurombe, anoita mudzidzi mudiki mu Africa yose kupedza zvidzidzo zve Doctor of Philosophy aine makore makumi maviri nematatu ekuberekwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kundwa kweZimbabwe Warriors neNamibia nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG