Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 27, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vatori venhau veNewsDay vanorohwa pamwe nekusungwa nemapurisa vachiita basa ravo apo mapurisa anga achikanda masipaiki pamakombi anotakura vanhu muguta reHarare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya zvinoreva mashoko emudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vati VaMugabe vanofanirwa kudoma munhu achatora basa ravo.

Vanotengesa mumigwagwa vochema chema nemari dzemitero dzavanobvisa dzakakwidzwa nekanzuru yeguta reHarare.

Makanzura ekuChitungwiza akambomiswa basa omiswa pamberi pedare rakagadzwa kuti rinzwe nyaya dzavari kupomerwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanotengesa mumigwagwa pamwe nemashoko aAmai Mugabe ekuti murume wavo adome munhu achatora basa ravo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG