Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 07, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 07, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaNkosana Moyo avo vakazivisa kuti vave kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vosangana nevemasangano akazvimirira kuBulawayo.

Nyanzvi dzozeya hukama hweZimbabwe neAmerica.

Urban Councils Association of Zimbabwe inoti yave kuzoshandisa michina yechizvino zvino kuona kuti vanhu havabirwe mari pakutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba.

ZESN inoita musangano nemapato ezvematongerwo enyika nevemasangano akazvimirira avo vanoti kushandisa michina yeBVR kugadzira gwaro idzva revavhoti kwakanaka asi zvinoda kuitwa nechimbi chimbi.

Madzimai nevana vakadzingwa mumapurazi eStanely neDoroth More pedyo neChegutu vanoti hupenyu hurikuvaomera zvikuru panyaya yekuwana mvura yakachena nekuenda kuchikoro.

Ongorororo yeAfrobarometer inoratidza kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe varikuramba vachiwana rutsigiro rwakawanda kudarika VaMorgan Tsvangirai asi vanechitsama vanoramba kutaura pavamire.

Zimbabwe Warriors yotamba neChipolopolo yekuZambia mumafainari eCOSAFA Cup nemusi weSvondo.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa mutambo weCOSAFA Cup Final pakati peZambia neZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG