Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 25, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Misha yenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzinopiswa kuMazowe.

Vagari vekwaMutare vochema chema nekuvharirwa mvura zvichitevera kutadza kwavo kubhadhara mitero yemvura yava kusvika kumamiriyoni emadhora akawanda.

Vagari vekuMasvingo vononga svosve nemuromo sezvo vasina mabasa izvo zviri kukonzerwa nekuparara kuri kuita hupfumi hwenyika.

Bhanga guru renyika rinoti hurumende iri kuramba ichikwereta kumabhanga emunyika zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzehupfumi.

Varume vatatu vari kupomerwa mhosva yekuuraya mupurisa vanomiswa pamberi pedare nhasi, tichanzwa zvaitika kubva kugweta riri kuvamirira.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa vechidiki vazvipira kupinda musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG