Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 18, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 18, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chemutungamiri we National People’s Party, Amai Joice Mujuru, vanotsigirwa nebato idzva re Dare kuti vave mutungamiri wemubatanidzwa wemapato anopikiswa.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yopemera Zanu PF mhosva yekubatsira vanhu kuti vanyorese kuzovhota kuMarondera vachishandisa hofisi yekwa Registrar General.

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission inoti yakumbira mari inodarika mazana maviri nemakumi manomwe emamiriyoni emadhora kuti ishandiswe musarudzo dzegore rinouya.

Vechidiki vakapinda muchirongwa cheYALI vobatsira vamwe vavo vechidiki nemazano kwaMutare.

Muchirongwa che The Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki vari muchirongwa che FIRST GLOBAL – 2017 Challenge chiri kuitirwa muWashington DC.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG