Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chitatu, Chikunguru 12, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chitatu, Chikunguru 12, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki veMDC-T vanoratidzira muHarare vachiti vanoda kuti mitemo inobata sarudzo ivandudzwe uye ZEC ishande yakazvimirira.

Rimwe sangano renyanzvi mune zvematongerwo enyika rekuAmerica, re Council on Foreign Relations, rinoti Zimbabwe inogona kupinda mumhirizhonga pamberi pesarudzo dza 2018 kana nyaya yekuti ndiani achatungamira nyika ndiani kana mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabva pachigaro.

Gavhuna veRBZ, Dr. John Mangudya vanoti kushandiswa kwemari yekuSouth Africa yeRand handiko kunopedza dambudziko remari munyika, sezvo hupfumi hwenyika huri kutatarika.

Dare repamusorosoro reConstitutional Court rinoramba kunzwa nyaya yamuzvina bhizimisi vekwaMutare, Va Tendai Blessing Mangwiro, yekuti ritsinhire mutongo weHigh Court wekuti gurukota rezvemukati menyika VaIgnatius Chombo vanofanira kudzorera muzvinabhizimisi uyu $1.5 million yaakatorerwa nemapurisa muna 2012.

Vamwe vanhu vanogara kunze kweguta reBulawayo nhasi vaongororwa ropa ravo kuti rine hutachiwana hweHIV here kana kuti kwete, pamwe nekuongorwa shuga, maziso nezvimwe pachena pasi pechirongwa cheNational Aids Council.

Muchirongwa che LiveTalk-Diaspora Forum na8pm nhasi tiri kutarisa nezvekuratidzira kunogara kuchiitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri ku U.K pasi peZimVigil.

Muimbi wekuSouth Africa ane mukurumbira zvikuru Ray Phiri uyo aiimba musambo weJazz anoshaya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG