Mumwe mukuru muhofisi yezvekudyidzana nedzimwe nyika anotenda kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaenda kuSingapore kunorapwa kunyangwe asimbaradza kuti havasi kunyanya kurwara. Asi mubato reZanu-PF muri kuita kunetsana kunotyisa.
Zimbabwe Electoral Commission inoti yabhadhara chimwe chikamu chemari yekutenga michina yeBVR kuLaxton Group uye ichatanga nekudzidzisa vanhu vachazodzidzisawo vamwe kushandisa michina yacho mumatunhu ose vanhu vasati vatanga kunyoreswa.
Sangano reThis Constitution, Our Constitution roendesa tsamba yenyunyuto kuZEC nenyaya yekuti vanhu vaunze mapepa ekwavanogara kuti vakwanise kuvhota.
Bato reNCA rinoti gadziriro yesarudzo dzayo dziri kufamba zvakanaka musarudzo dzeby-elections dziri kuitwa kwaChiundura kutsiva mushakabvu Kizito Chivamba.
Mutungamiri weZIFA VaPhilip Chiyangwa vokurudzira vanhu kuti vaende kunhandare yeHarare Airport mangawana kunochingamidza vatambi vemaWarriors avo vakasimudza mukombe weCOSAFA nezuro mushure mekurova Zambia.
Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa kusimudza mukombe weCOSAFA Cup kwakaitwa neZimbabwe nezuro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum