Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 19, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 19, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhizinesi remumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, Va Elias Mudzuri, pamwe nemba yakanzura weMDC-T muKuwadzana zvinoparadzwa nevanhu vanonzi nebato reMDC-T ndeveZanu PF.

Zimbabwe Electoral Commission yoronga chirongwa chekudzidzisa vanhu nezvesarudzo dzegore rinouya.

Chirongwa che Mine Entra chinotanga muBulawayo vanhukadzi vachikurudzirwa kuita mabasa ezvemigodhi munyika…

Chikwata cheZimbabwe Robotics Team chinorwisa zvakasimba mumitambo ye 2017 First Global Challenge yakapera muWashington DC nezuro, asi chichizokundikana kubudirira.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rezvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda mu South Africa sevatyairi vematekisi anoshanda ari pasi pekambani ye Uber.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG