Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu e Cyclone Dineo vofara zvichitevera rubatsiro rwemagumbeze, zvinhu zvekuvakisa nezvimwe zvinodiwa mukurarama kwavo kubva kukambani ye Tongaat Hullets.

Varimi vatema vembatatisi vochema kuhurumende vachiti vanoda rubatsiro kuitira kuti varime nemazvo mbatatisi munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya mhirizhonga iri kuitika munyaya dzematongerwo enyika pamwe nemari yakawandisa iri kudiwa neZimbabwe Electoral Commission kuti iite sarudzo dzegore rinouya.

Vagari vemuGweru vonetsana nekanzuru yavo iyo vari kuti iri kutambisa mari nekutenga zvinhu zvisina kukosha kuvagari panguva iyo kanzuru iri kunetsekana nemari.

Muchirongwa che Women’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kumusangano weMine Entra kuBulawayo uyo vanhukadzi vari kukurudzirwa kuti vaite zvemigodhi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG