Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica zvinoti zvkakomborerwa zvikuru nemubatanidzwa wesangano reChristian Fellowship International wakaitwa kuNew Jersey. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Hurumende yeSouth Africa inowedzera nemakore mana echirongwa chinoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare zvichishanda zviri pamutemo munyika iyi, che Zimbabwe Extemption Permit
Nhengo dzeZimbabwe Bank and Allied Workers Union dzinoratidzira pamuzinda webhanga reStanbic dzichiti hadzisi kufara nekudzingwa basa kwemumwe mudzimai aishandira bhanga iri.
Munyori mukuru pachikoro chepamusoro cheGreat Zimbabwe University, Students Representative Council VaKudakwashe Mugapu votsanangura kumbomiswa kwavo chikoro nenyaya yekuronga kuratidzira.Nyaya ina Gandri Maramba
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti manyepo ekuti bato iri riri kuita hurukuro muchivande nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamusoro pemamiriro enyika mune remangwana kana VaMugabe vasisipo.
Vagari vemuHarare vochema chema nekureba kwenzvimbo dzavanoti vari kufamba kuitira kuti vanonyoresa kuti vave nezvitupa nemagwaro ekuberekwa kwavo, kuitira kuti zvizovaitira nyore kunyoresa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.
Mubatanidzwa wezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumakereke akasiyana siyana muAmerica wakapetwa nezuro muNew Jersey, America sangano re Christian Fellowship International richizivisa kuti mubatanidzwa uyu wakafamba zvakanaka uye wegore rinouya uchange uchiitirwa kuNorth Carolina gore rinouya.
Hurongwa hwekutoresa vanhu zvitupa kwotanga hofisi yamudzviti ichitenderera muvanhu munzvimbo dzakasiyana siyana.
Mbuya Gutu mumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvaive pamusangano weChristian Fellowship International vanoti zvakakosha kuti vanhu varambe vachikoshesa tsika dzavo. Mbuya Gutu vakatengera murora wavo mapfihwa-poto pamusika waive pamusangano uyu kuNew Jersey muUSA. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Nyaya yehuroyi nemuchetura yonetsa mubato reZanu-PF zvokonzera kunetsana kwakanyanya pakati pevari kudivi remutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa uye vari kuchikwata chinonzi Generation 40. Mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe vanoramba kuti VaMnangagwa vakapihwa muchetura.
Hurumende inonzi yoferefeta mashandiro emasangano akazvimirira ega nechinangwa chekuda kutorera vamwe marezinesi sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.
Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Amai Joice Mujuru vanoti nhaurirano nemutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai dziri kuenderera mberi uye vane chivimbo chekuti dzinobudirira.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party Amai Joyce Mujuru vanoti nyaya yekuramba mubato reZanu-PF muine kunetsana iri kukonzerwa nemutungamiri webato iri VaRobert Mugabe.
Zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC zviri muAmerica zvosangana pamabiko akarongwa nesagano reSouthern Africa Community USA muMaryland muAmerica.. Zvakakosha seyi kuti vanhu vari kunze kwenyika vasangane zvakadayi? Wonayi motumirawo vamwe nekudzvanya pakanzi "share."
Zimbabwe yoita musangano wakakosha weWorld Health Organization unovhurwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe asi vana mukoti munyika vanoronga kuramwa mabasa.
Zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC zviri muAmerica zvosangana pamabiko akarongwa nesagano reSouthern Africa Community USA muMaryland muAmerica.. Zvakakosha seyi kuti vanhu vari kunze kwenyika vasangane zvakadayi?
Bato rinopikisa reMDC-T rinombomisa basa murongi wemabasa VaAbednico Bhebhe vachivapomera mhosva yekukonzera kusawirirana.
Misoro Yenhau Dzanhasi, China Nyamavhuvhu 24, 2017
Sangano reAfriforum rave kuendesa kumatare Amai Grace Mugabe uye gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Amai Maite Nkoana-Mashabane nemhosva yekutora danho rekuti Amai Mugabe vasaendeswe kumatare nemhosva yekurova mumwe musikana, Gabriella Engels uyo vakawana ari muhotera nevanakomana vavo.
Judiciary Services Commission yopeta chirongwa chekubvunzurudza vanhu vari kuda kutora basa rekuva muchuchusi mukuru wehurumende kutsiva VaJohannes Tomana vakadzingwa nenyaya dzehuwori.
Rodhai zvimwe