Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 28, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe yoita musangano wakakosha weWorld Health Organization unovhurwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe asi vana mukoti munyika vanoronga kuramwa mabasa.

Bato rePDP roshora hurumende nekutadza kuvandudza bumbiro remutemo.

Mashoko ari kubuda kubva kuReserve Bank of Zimbabwe anoratidza kuti hurumende iri kuramba ichikwereta mari yakawanda kubva kumabhanga zvichanetsa kuti nyaya yacho igadziriswe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika yozeya mashoko emutungamiri wenyika ekushora kunetsana kuri mubato reZanu-PF uye huwori hwemapurisa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvobatwa mumafashamu emvura kuTexas.

Tichakupai zvakabuda mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League nezuro neMugovera.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekushora huwori huri kuitwa nemapurisa mumigwagwa uyu nyaya yehuerumende yekuda kurambidza mabhazii kufamba husiku.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG