Accessibility links

Breaking News

MISORO YENHAU DZANHASI, CHIPIRI NYAMAVHUVHU 29, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
MISORO YENHAU DZANHASI, CHIPIRI NYAMAVHUVHU 29, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party Amai Joyce Mujuru vanoti nyaya yekuramba mubato reZanu-PF muine kunetsana iri kukonzerwa nemutungamiri webato iri VaRobert Mugabe.

Mapato ane nhengo dziri mudare reparamende vosangana neZEC kuti vatsvage nzira dzinorerutsira vanhu kuti vavhote zvisina matambudziko.

Hofisi yemabharani mukuru wehurumende kana kuti Registra General yotanga kufamba ichitoresa vanhu zvitupa neMuvhuro.

Vanhu vanogara kumaruwa ekwaNhema kuShurugzwi vanoti kushaikwa kwemari kwave kukanganisa mararamiro avo zvakanyanya.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki kukurudzirana kuti vaende kunovhota musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG