Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 07, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Nhengo dzeZimbabwe Bank and Allied Workers Union dzinoratidzira pamuzinda webhanga reStanbic dzichiti hadzisi kufara nekudzingwa basa kwemumwe mudzimai aishandira bhanga iri.

Dare redzimhosva rinoti kanzuru yeChitungwiza inofanirwa kubhadhara vashandi vayo vayakamisa basa.

Musangano wevatori venhau unoyemura mashandiro akaita masangano enhau musarudzo dzakaitwa muKenya.

Vechidiki vari mubazi revechidiki vochema chema nedanho rehurumende rekuvabvisa pamabasa avo kuitira kuti vapinde muchirongwa cheCommand Agriculture.

Muchirongwa che Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nemadzimai edzisvondo senzira yekusimudzira mhuri dzavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG