Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 23, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 23, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reAfriforum rave kuendesa kumatare Amai Grace Mugabe uye gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Amai Maite Nkoana-Mashabane nemhosva yekutora danho rekuti Amai Mugabe vasaendeswe kumatare nemhosva yekurova mumwe musikana, Gabriella Engels uyo vakawana ari muhotera nevanakomana vavo.

Nhengo dzeZanu-PF mudunhu reMasvingo dzokumbira kuti Amai Maud Muzenda vaitwe gamba renyika.

Nhengo dzesangano reZimbabwe Human Rights Organization dziri kuBritain dzinofamba makiromita zana nemashanu senzira yekuunganidza mari yekubatsira vanoshupika uye kuyedza kuunza chiyedza panyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

Tichakupai zviri kubuda kubva kumitambo yeCastle Premier Soccer league iri kutambwa nhasi kusanganisa Higlanders neTsholotsho.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yesangano reZimbabwe Human Rights Organization yekufamba ichitsvaga rubatsiro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG