Vanhu gumi nemumwe vanofa, vamwe zana negumi nevapfumbamwe vachikuvara apo rori yange yakatakura vatendi vechechi yeThe True Apostolic Mission inoita njodzi kuKamativi.
Politiburo yeZanu-PF inoita Amai Maud Muzenda gamba renyika uye vave kutarisira kuradzikwa nemusi weMugovera kuHeroes Acre.
Vanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu-PF vanorwisa vanhu vari papurazi reManzou iro rinonzi nehurumende rakapihwa Amai Grace Mugabe.
Mutongi wedare repamusoro muBulawayp VaMartin Makonese vanoti vaiva mutevedzeri wameya weBulawayo VaGift Banda vakadzingwa basa zvisiri pamutemo.
Nyanzvi dzoshushikana nekuvakwa kwedzimba panzvimbo dzinochengeta mvura pasi
Muchirongwa chedu cheWomens Round Table- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yemhirizhonga inonzi yakaitika kupurazi reManzou kuMazowe mushure mekunge vanofungidzirwa kuti ndevechidiki vebato reZanu-PF varwisa vanhu vanogara papurazi iri vachiti ngavabve kuti Amai Grace Mugabe vaite mabasa avo sezvo vakaripihwa nehurumende.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.
Facebook Forum