Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Nyamavhuvhu 25, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Nyamavhuvhu 25, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato rinopikisa reMDC-T rinombomisa basa murongi wemabasa VaAbednico Bhebhe vachivapomera mhosva yekukonzera kusawirirana.

Bato rePeople’s Democratic Party roita musangano wekuzeya makakatanwa aunzwa nenyaya yekumba mubatanidzwa neMDC-T.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vovhura Harare Agriculture Show zviri pamutemo nhasi.

Grain Marketing Bord kuChinhoyi yopomerwa mhosva yekupinza basa vatsigiri veZanu-PF chete.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekunetsana kunotyisa kunotyisa mumapato anopikisa ari kuyedza kuumba mubatanidzwa sarudzo dza2018 dzisati dzaitwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG