Accessibility links

Breaking News

MISORO YENHAU DZANHASI, CHINA NYAMAVHUVHU 31, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inonzi yoferefeta mashandiro emasangano akazvimirira ega nechinangwa chekuda kutorera vamwe marezinesi sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaMorgan Tsvangirai nevamwe vavo voita musangano kuBulawayo neMugovera kunyangwe hazvo bato ravo reMDC-T riine kunetsana kwakanyanya mudunhu iri.

Nyanzvi dzozeya kufora kwakaitwa neZanu-PF nezuro panguva imwe cheteyo mamwe masangano nemapato achirambidzwa kodzero iyi.

Vamwe vagari vekuNyamakate mudunhu reMashonaland West vave kuomerwa nehupenyu zvekushaya zvekudya kunyangwe hazvo hurumende iri kuti chirongwa chayo checommand agriculture chakabudirira zvekuzadza matura.

Muchirongwa chedu cheWomens Roundatable- na8;00 pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai vanoita zvemitambo kuti vari kubatsira vanhu mumagariro avo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG