Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 05, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vagari vemuHarare vochema chema nekureba kwenzvimbo dzavanoti vari kufamba kuitira kuti vanonyoresa kuti vave nezvitupa nemagwaro ekuberekwa kwavo, kuitira kuti zvizovaitira nyore kunyoresa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Vatungamiri vevadzidzi vepachikoro che Great Zimbabwe University vopika kuenderera mberi nekuratidzira kwavo kwavakaronga mwedzi uno, vachitiwo vava kubatsirwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights kupikisa kumbomiswa chikoro kwegore rose kwemunyori mukuru mu SRC yavo, VaKuda Mugapu.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotambira nemufaro danho rakatorwa neJudicial Service Commission rekuti pave nemamajesitireti matatu anomirira kutonga chete nyaya dzemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Nyanzvi dzvehupfumi dzozeya kumbunyikidza kuri kuitwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichida kuita mabhizinesi munyika zvakaita saVa Strive Taputaira Masiyiwa, panguva iyo hurumende iri kuonekwa ichikwezva zvizvarwa zvedzimwe nyika kuti zvizotanga mabhizinesi munyika, asi ichitadzisa zvizvarwa zvayo kutanga mabhizinesi.

Muchirongwa che The Connection na8pm tiri kutarisa zvinoreva kune vechidiki makakatanwa ari muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kanawo makakatanwa ari muZanu PF, panguva iyo vechidiki vari kukurudzirwa kunyoresa kuitira kuti vazovhota musarudzo dzegore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG