Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 06, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 06, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti manyepo ekuti bato iri riri kuita hurukuro muchivande nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamusoro pemamiriro enyika mune remangwana kana VaMugabe vasisipo.

Mutungamiri weZimbabwe People First, VaAgrippa Mutambara, vanoti vakarwa muhondo yerusununguko pamwe nemamwe mapato anopikisa vanofanirwa kupinda mumubatanidzwa wemapato anopikisa we MDC Alliance kuitira kuti vakunde Zanu PF zvine mutsindo musarudzo dzegore rinouya.

Sangano reUnited Nations rinoti richapa Zimbabwe Electoral Commission mari yekuti nyanzvi dzichengetedze mashoko ane chekuita nesarudzo kuitira kuti pasave nemutauro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvotambira nemufaro mashoko aburitswa nehurumende yenyika iyi pamusoro pehurongwa hwekupa magwaro matsva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa uho huchaziviswa nemusi weChishanu.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika muSouth Africa nemusi weChishanu apo hurumende yaVa Jacob Zuma ichaburitsa hwaro huchashandiswa mukupa zvizvarwa zveZimbabwe magwaro matsva ekugara munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG