Accessibility links

MISORO YENHAU DZANHASI, GUNYANA, 01 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Nyaya yehuroyi nemuchetura yonetsa mubato reZanu-PF zvokonzera kunetsana kwakanyanya pakati pevari kudivi remutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa uye vari kuchikwata chinonzi Generation 40. Mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe vanoramba kuti VaMnangagwa vakapihwa muchetura.

Amai Rita Makarau votaura nezvenyaya yegadziriro yesarudzo dzegore rinoya.

Dare repamusoro soro remuKenya rinoti sarudzo dzemutungamiri wenyika dzemunyika iyi dzakaitwa mwedzi wapera ngadzidzokororwe sezvo dzisina kuitwa zvakanaka.

Munhau dzemitambo, Caps United yotatsurana neDynamos kuNational Sports Stadium neSvondo

Muchirongwa chedu cheLivetalk- na8;00 pm nhasi, tiri kutarisa kudzokororwa kwesarudzo muKenya nezvingadzidzwe neZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG