Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvopinda muMusangano weChristian Fellowship International


Christian Fellowshiop International Conference
Christian Fellowshiop International Conference
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mubatanidzwa wezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumakereke akasiyana siyana muAmerica wakapetwa nemusi weSvondo muNew Jersey, America sangano reChristian Fellowship International richizivisa kuti mubatanidzwa uyu wakafamba zvakanaka uye wegore rinouya uchange uchiitirwa kuNorth Carolina gore rinouya.

Vachitaura pakupetwa kwemusangano uyu wakatanga neChishanu mutungamiri we sangano reChristian Fellowship International Pastor Hazel James vakati vakafadzwa nemafambiro akaita musangano uyu sezvo vanhu vanosvika makumi matatu vakakwanisa kuuya.

Pastor Hazel James naBaba James James
Pastor Hazel James naBaba James James

Vachitsinhira zvakataura mudzimai wavo murume waPastor Hazel Baba James James vakati vanotsigira mabasa anoita mudzimai wavo neminamato uye zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri mudiaspora nepasi rose zvikoshese kunamata.

Gungano iri raisangova rekunamata chete, vemuzinda weZimbabwe muAmerica vainge varipowo pamusangano uyu vachibatsira vanhu kugadzirisa magwaro avo.

VaRwatisara Matsika mumwe weavo vangevakamirira muzinda weZimbabwe vakati vakabatsira vanhu vane chitsama.

Kunyangwe hazvo gungano iri range risingaite zvematongerwo enyika, mamwe madzimai ainge akamirira sangano re United African National Council (UANC) yaimbotungamirwa namuchakabvu Bishop Abel Muzorewa vakakurudzira kuti vatendi vakoshese zvematongerwo enyika.

Pamusangano uyu pange pane zvidzidzo zvakasiyana siyana zvaisanganisira zvekutanga mabhisinesi, izvo zvakakokerwa naRev John Gumbo nezvimwewo.

Vechidiki vakarangarirwawo sezvo pange panezvirongwa zvizhinji zvange zvakanangana navo.

Vechidiki Vofarira zveKudya zvekuZimbabwe
Vechidiki Vofarira zveKudya zvekuZimbabwe

Vamwe vatungamiri vemakere vange vari pamusangano uyu vanosanganisira Dr Abiot Moyo,Pastor Gwen Mugabe, Pastor Dale Gurajena,Pastor Peter Tembo, Elder Fortunate Hove-Cooper naDr Reverend Japhet Ndemera vakatanga sangano iri nevamwewo vanechitsama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG