Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Gunyana, 04 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Gunyana, 04 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurongwa hwekutoresa vanhu zvitupa kwotanga hofisi yamudzviti ichitenderera muvanhu munzvimbo dzakasiyana siyana.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanoti vanechivimbo kuti mukupera kwegore vanenge vave negwaro idzva revavhoti.

Sachigaro webato reMDC-T VaLovemore Moyo avo vasina kuenda kumusangano weMDC Alliance neMugovera vanoti vakagadzirira kuita hurukuro naVaMorgan Tsvangirai nezvekusafara kwavo nemubatanidzwa uyu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaine rutsigiro rwemauto, vanogona kudzingwa mubato reZanu-PF.

Dynamos yohwina mutambo wechinhatu wakateverana asi Chicken Inn ndiyo ichiri panhongonya yePSL.

Muchirongwa chedu cheLivetalk- na8;00 pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekutoreswa kwevanhu zvitupa neZEC apo nyika yatarisana nesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG