Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 08, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 08, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende yeSouth Africa inowedzera nemakore mana echirongwa chinoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare zvichishanda zviri pamutemo munyika iyi, che Zimbabwe Extemption Permit

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti vanhu vakaremara vakawanda vachikwikwidza musarudzo vachimirira bato iri kuitira kuti vazvimirire mumakanzuru nemuparamende.

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo dzozeya zvinoreva mutemo panguva inofanirwa kuitwa sarudzo gore rinouya.

Hurumende yomanikidza vashandi vayo kubvisa mari dzichashandiswa pamusangano waVaMugabe muBindura mangwana.

Dynamos yosangana neHighlanders neSvondo mumutambo uri kudaidzwa kuti Battle of Zimbabwe Part 2.

Muchirongwa che LiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva chirongwa chehurumende yeSouth Africa che Zimbabwe Exemption Permit icho chawedzerwa nemakore mana nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvigare zvichishanda zviri pamutemo munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG