Accessibility links

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 22, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Judiciary Services Commission yopeta chirongwa chekubvunzurudza vanhu vari kuda kutora basa rekuva muchuchusi mukuru wehurumende kutsiva VaJohannes Tomana vakadzingwa nenyaya dzehuwori.

Vamwe vemachechi vari pasi peZimbabwe Prayer Network votanga munamato nekutsanya kwemazuva makumi mana vachinamatira sarudzo dzisina mhirizhonga muna 2018.

Bato reMDC-T rokurudzira SADC kuti izame nepose painogona kuona kuti sarudzo dzegore rinouya dzaitwa murunyararo.

Magweta anoirwira kodzero dzevanhu onyunyuta mushure mekurohwa kwerimwe gweta nemapurisa kuMasvingo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yekutarwa kwemusi wa 21 Kukadzi sezuva rezororo semuratidzo wekuremekedza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG