Vatsigiri vari mudunhu reMasvingo vevakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti havasi kuvhotera Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanodzinga basa mutevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, vachivapomera zvakasiyana siyana.
African Commission yozeya nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekudzinga vagari vepapurazi reManzou pamwe nenyaya yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekudzinga basa muchuchusi mukuru wehurumende.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti vanoda kuti mutongo werufu udzoke kuranga vanoponda nevanobata chibharo. VaMugabe vange vachiviga gamba renyika VaDon Muvuti kumarinda eHoroes Acre muHarare.
Chikamu chepiri chekunyoresa kuvhota pachishandiswa Biometric Voter Registration, icho chakatanga nezuro, chiri kuona vanhu vashoma vachienda kunonyoresa kuvhota.
Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vanoti vari kutarisira kudzidza zvakawanda zviri kuitwa munyaya dzekutora nhau muAmerica umo vari kushanya. VaNyamutumbu vari pachirongwa chiri kukokerwa nehurumende yeAmerica pasi pebazi re State Department..
Mutsigiri weStudio7 VaMichael Mambo avo vari kunyanyira vana vavo muAmerica vanoti vakafadzwa zvikuru nekushanyira nhepfenyuro yavanoteerera kumusha zuva nezuva. VaMambo vanotaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye nezve kushanya kwavo.
America inofaindisa bhanga re C-B-Z mamiriyoni mazana mana emadhora zvichitevera kubatwa kwebhanga iri riine mhosva yekutyora zvirango zvakatemerwa bhanga reZB Bank nehurumende yeAmerica.
Chikamu chekutanga cheZimbabwe Electoral Commission ichipinda muvanhu kuti vanyorese - chinopera nhasi munzvimbo dzakawanda munyika kuitira kuti chikamu chepiri chiparurwe mudzimwe nzvimbo.
Mhirizhonga inoitika kuChitungwiza mukupera kwesvondo zvichitevera kuitwa kafira mberi kwenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvirimu America Zvobatsira Vadzidzi Vechidiki Vanenge Vabva Kumusha nekuvadzidzisa tsika nemagariro emunyika iyi pavanenge vauya kuzoita zvidzidzo zvepamusoro munyika iyi. VaIsheunesu Chitakunye vanotaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye nezve zvirongwa zvavarikuita.
Vanotengesa mumigwagwa yemumaguta munyika yose vorasirwa zvinhu zvavo nemapurisa panguva iyo vanhu vari kushupika nekushaya mari yekuraramisa mhuri dzavo.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadomwa nesangano reWorld Health Organisation, WHO, semunyarikani achange akamirira Africa munyaya dzezvirwere zvisingatapuriranwe, kana kuti non communicable diseases.
Sangano reZimbabwe Electoral Commission ropinda muvanhu kuMashonaland West richivakurudzira kuti vaende kunonyoresa kuvhota.
Chirongwa chekunyoresa kuvhota chovhiringwa nemutemo unosungira kuti vanhu vape humbowo hwepavanogara kuitira kuti vanyorese kuvhota, izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda vatadze kunyoresa.
Vanhu vorara kumahofisi ekwamudzviti mumatunhu avo vachida kutora zvitupa izvo vari kutadza kuwana, uye vamwe vachibvisiswa chioko muhomwe kuti vapihwe zvitupa.
Gavhuna vebhanga guru renyika VaJohn Mangudya vanoti chirongwa chekushandiswa kwemari yemabond notes chirikufamba zvakanaka. VaMangudya vakabvunzwa naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 kuti vachasiya basa here sezvavakavimbisa kana chirongwa chemabond notes ichi chikakundikana, iyo vakati kwete.
Gavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya vanoti chirongwa chemari yemabond notes chirikufamba zvakanaka. Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 akavhunza VaMangudya kuti vachasiya basa here sekuvimbisa kwavakaita kuti kana mabond notes akasashanda zvakanaka vaizoregedza basa. Ivo vakati kwete.
VaPatrick Chinamasa vakaita hurukuro naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 nezuro vari pamusangano wemakurokota vezvemari vemuAfrica wakakokerwa nesangano re Macroeconomic and Financial Management Institute Of Eastern and Southern Africa muWashington. Basa raVaChinamasa rakapihwa vaIgnatius Chombo
Vanhu vakawanda votaura pamusoro pechirongwa chekunyoresa kuvhota icho chaparurwa nhasi mudzimwe nzvimbo sezvo chirongwa ichi chiri kuitwa mumatunhu mashoma panguva imwe chete.
Rodhai zvimwe